Revelation of John 8

Hwamanda ina dzekutanga dzinoridzwa

1Zvino wakati azarura mucherechedzo wechinomwe, kwakavapo kunyarara kudenga kwakaita sehafu yeawa. 2Zvino ndakaona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari, kukapiwawo kwavari hwamanda nomwe. 3Zvino umwe mutumwa wakauya akamira paaritari, ane mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe; kukapiwa kwaari zvinonhuhwira zvizhinji, kuti azvipe neminyengetero yevatsvene vese pamusoro pearitari yegoridhe yakange iri pamberi pechigaro cheushe. 4Zvino utsi hwezvinonhuhwira hwakakwira neminyengetero yevatsvene huchibva muruoko rwemutumwa pamberi paMwari. 5Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, ndokuuzadza nemoto wearitari, ndokuukanda panyika; zvino kwakavapo manzwi nekutinhira nemheni nekudengenyeka kwenyika. 6Zvino vatumwa vanomwe vakange vane hwamanda nomwe vakazvigadzirira kuti varidze. 7Zvino mutumwa wekutanga wakaridza, ndokuvapo chimvuramabwe nemoto zvakavhenganiswa neropa, ndokukandwa panyika; nechetatu chemiti chakapiswa, neuswa unyoro hwese hwakapiswa. 8Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, zvino chimwe segomo guru rinopfuta nemoto chikakandwa mugungwa; chetatu chegungwa ndokuva ropa; 9ndokufa chetatu chezvisikwa zviri mugungwa zvine upenyu, nechetatu chezvikepe chikaparadzwa. 10Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, kukawa kubva kudenga nyeredzi huru, ichipfuta semwenje, ndokuwira pamusoro pechetatu chenzizi, nepamusoro pezvitubu zvemvura. 11Zvino zita renyeredzi rainzi Gavakava; chetatu chemvura ndokuva gavakava, nevanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakange yavaviswa. 12Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva ndokurohwa nechetatu chemwedzi nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chemasikati chirege kuvhenekera, neusiku saizvozvo. 13Zvino ndakatarira, ndokunzwa mutumwa umwe achibhururuka ari pakati pedenga achiti nenzwi guru: Mune nhamo, mune nhamo, mune nhamo vagari vepanyika, pamanzwi asara ehwamanda yevatumwa vatatu vachazoridza!

Copyright information for Shona